Chidzidzo chechipiri itsamba yekutanga yakanyorwa naPauro achinyorera kuva Korinde. Mutsamba iyi Pauro Mutsvene anotaura zvinhu zviviri zvakakosha pamashandiro eSangano. Sangano rinoumbwa nekubatana neuwandu. Sangano rinoumbwa nezvinhu zvinotibatanidza rigoumbwa zvakare nezvinhu zvinotisiyanisa. Mukanyatsoongorora chidzidzo chataverenga nhasi muchanzwa kuti Pauro anotanga achisimbisa izwi rokuti MUMWECHETE. Anoti iye kuna MWEYA mumwechete, kuna MWARI mumwechete, kune CHITENDERO chimwechete, kune RUOMBEKO rwumwechete! Izvi zvinoreva kuti tinobatanidzwa naMwari, naMweya nechitendero namasakaramende atinogamuchira akaita seruombeko.
Pauro muchikamu chechipiri chechidzidzo ichi anoenderera mberi achiti mumwe nemumwe wedu akapiwa zvipo zvakasiyana-siyana naMweya kuitira kuti vanhu vabatsirikane. Mumwe nemumwe wedu ana Mweya, mumwe nemumwe wedu ane chipo chake, zvipo izvi zvakaitirwa kuti vanhu vabatsirikane. Mumwe ane chipo chekutaura noungwaru, mumwe ane chipo choruzivo, mumwe ane chipo chechitendero, mumwe ane chipo chokuporofita, mumwe ane chipo chekutaura nendimi, mumwe ane chipo chekurapa kana kuita zvishamiso. Naizvozvo chinhu chinotisiyanisa mazvipo zvatakapiwa naMweya Mutsvene.
Saka kana tikaongorora tinoona kuti tine zvinhu zviviri zvakakosha muSangano redu reKatorike masakaramende nezvipo zvakasiyana-siyana. Zvinhu zviviri izvi zvinofambidzana, zvinoshanda pamwechete. Zvinhu zviviri izvi zvakafanana namapapiro maviri anoita kuti Sangano rigone kubhururuka. Shiri haigone kubhururuka isina bapiro rimwechete. Sanganowo harigone kubhururuka risina bapiro rimwechte. Kana Sangano risina masakaramende harigone kubhururuka. Kana Sangano risina mazvipo harigone kubhururuka.
Masakaramende nezvipo zvakafananawo zvekare nemakumbo maviri anotigonesa kufambira mberi tichienda kuruponeso rwedu. Hanzi rimwe zuva paive navarume vatatu vakanga vasvika nguva yekuti vachipinda muhumambo hwedenga. Murume wekutanga akanga aine gumbo rimwechete rainzi masakaramende, rimwe racho rakanga rakafa. Wechipiri akanga aine gumbo rinonzi zvipo rimwe racho rakanga akafa. Wechitatu aive nemakumbo ose ari maviri. Saka varume ava vaifanira kuyambuka bhiriji kuti vapinde muumambo hwedenga. Wekutanga akanzi chiuya ndokusimuka. Akasimudza gumbo rake rainzi masakaramende richibva rasimuka. Paakanoti ndosimudza rimwe racho rinonzi zvipo richibva raramba ndokuramba ongoti ‘Masakaramende, masakaramende,’ achibva anzi ‘Ibvapo!’ Kwakadaidzwa wechipiri. Akasimudza gumbo rake rinonzi zvipo richibva rasimuka. Paakanoti ndochisimudza rinonzi masakaramende richibva raramba ndokuramba ongoti ‘Zvipo, zvipo.’ Wechitatu haana kumbonetseka akangotanga kuti ‘Zvipo, masakaramende, zvipo, masakaramende’ kusvikira ayambuka. Saka masakaramende nezvipo zvinoshanda pamwechete.
Masakaramende
Masakaramende ndiwo anotibatanidza seSangano kuti tiite chinhu chimwechete. Tose tine chitendero chimwechete. Tose tine ruombeko rwumwechte. Tose tinogamuchira Yukaristiya imwechete. Hapana ruombeko rwunonzi urwu nderwa nhinfi kana kuti nhingi, kana kuti urwu nderwapapa kana mubhishopi. Tose takangofanana tinogamuchira bhabhatizimo imwechete neYukaristiya imwechete. Hapana ari nani kupinda mumwe. Masakaramende ndiwo anoita kuti muSangano muve nekurongeka. Masakaramende ndiwo anoita kuti vanhu vasaite mazvake mazvake.
Zvipo
Asi masakaramende oga haana kukwana. Dambudziko riripo nderekuti ndeyekuti tinenge tava kungofunga kuti kubatana kana kuti kurongeka ndochinhu chakakosha chete. Tinenge tava kuita savaFarisiya vatanzwa muShoko Rakanaka vaikoshesa mutemo zvekuti chitendero chavo chakanga chava mvura inotoda kushandurwa naJesu kuti ive waini inonaka. Tinenge tava kuona vane zvipo zvekurapa nekuporofita vachitungamirirwa naMweya sevanopenga. Masakaramende akakosha asi zvipo zvakakoshawo zvekare. Mweya Mutsvene akagara achishanda munhororondo yeruponeso kubva pakutanga. Mweya Mutsvene aivepo pakusikwa kwenyika. Mweya Mutsvene ndiye akapa Mozisi chipo chekuporofita. Mweya Mutsvene ndiye akapa Soromoni njere dzekuziva chakanaka nechakaipa, Mweya Mutsvene ndiye akapa Dhavhiti chipo chekutungamirira. Hatigone kutarisira pasi mabasa aMweya Mutsvene.
VATICAN II
Makore mashoma apfuura ayo papa namabhishopi vakaungana kuRome ndokupanana chitsidzo chekuti vanhu vanofanira kubvumidzwa kushandisa zvipo zvavo zvakasiyana-siyana. Musangano uyu wakabvumirana kuti Sangano rinofamba nemakumbo maviri anoti masakaramende nezvipo. Zvipo ndizvo zvinoita kuti Sangano rive neupenyu. Zvipo ndizvo zvinoita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muSangano. Mutenderi wose akatanga kushandisa chipo chake muSangano, Sangano rinobudirira. Vadzidzisi vechitendero vakatanga kushandisa zvipo zvavo, vaparidzi vakatanga kushandisa zvipo zvavo, vaporofita vakatanga kushandisa zvipo zvavo zvichingodaro zvinhu zvinofamba zvakanaka muSangano. Dambudziko ringangouya chete kana vamwe vakatanga kutarisira vamwe pasi nekuda kwezvipo zvavo. Nekuti kune mumwe anoti ini ndine chipo chekurapa chiri nani kupinda chemudzidzisi wechitendero.
Kuzvidukupisa
Muchidzidzo chanhasi Pauro ati iye takapiwa zvipo kuti “vose vabatsirwe.” Tinofanira kushandisa zvipo zvedu kubatsira sangano nekubatsira vamwe. Haufanire kushandisa chipo chako kuonererwa nekuzvitsvagira mbiri. Kana uchishandisa chipo chako chishandise kushandira vamwe.
Francis Mutsvene aifarira zvisikwa. Akati iye kana tichishandisa zvipo zvedu tinofanira kudzidza kubva pamvura. Mvura kana ichifamba kazhinji inodzika pasi haikwire mudenga. Isu tinofanira kuzvidukupisa. Ini ndiri kuti ngatidzidzei pana Jesu ari pamuchato weKana. Anoshandisa chipo chake chekuita zvishamiso kwete kuonererwa asi kuwedzera mufaro wanga wopera. Ngatifananei naMariya zvekare anoshandisa chipo chake kutora dambudziko ravanhu achienda naro pana Jesu.
Rudo
MuChidzidzo Chechipiri chanhasi Pauro ari kusimbisa kuti tinofanira kushandisa zvipo zvedu nerudo. Agastini Mutsvene anoti iye kana vamwe vedu vakatarisa zvipo zvinodomwa naPauro vanogona kuti ini hapana changu: handiporofite, handina chipo chekurapa, handina chipo chekuparidza. Saka vamwe vedu vanogona kutanga kuzvitarisira pasi. Asi Agastini anoti iye haufanire kuzvidya mwoyo kuti handina tarenda nekuti tarenda remumwe itarenda rakowo. Chipo changana chipo chakowo.
Pauro pachake ari kuti iye muri nhengo dzemuviri mumwechete, musoro wenyu achiva Kristo. Nhengo dzemuviri dzinoshanda pamwechete. Ziso basa raro nderekuona. Maoko ane basa rawo. Asi maoko haagone kuti kana dombo richiuya kuzotema maziro oti hameno zvawo maziso ave kutemwa. Maoko anovhika dombo, rinenge raonekwa nemazoso. Nhengo idzi dzinoshanda pamwechete kudzivirira muviri nekuti inhengo dzemuviri mumwechete. Izvi ndozvimechete nesu. Chipo chemumwe chipo chedu tose. Hatifanire kuita sekangoma kanorira kachiti pangu pangu.
