©Musako novhena iyi nechinangwa chokutsvagisa mari musina mvumo
A. Novena yaMai voRubatsiro Rusingagumi pasina Misa
Mucherechedzo unopindwa nawo uchinoturikwa nokupfungaidzirwa nechipfungautsi (incense) pachi-imbwa.
Kwaziso
Mutungamiri: Nyasha dzaTenzi wedu Jesu Kristu norudo rwaMwari Baba noruwadzano rwaMweya Mutsvene ngazvive nemi mose.
Vose: Ngazvive nomweya wenyu.
Mhinzo
Mutungamiri: Hama taungana semhuri yaVakristu Kukudza
Mwari Baba vakatikomborera nemakomborero ose emweya nomuna Kristu. Tinoshuvirawo kuremekedza Mariya amai vaKristu naamai veduwo voRubatsiro Rusingagumi.
Vose: Tinotizira kurubatsiro rwenyu Amai Vatsvene vaMwari, musafuratire mikumbiro yedu pane zvatinoshaya asi tidzikinurei munjodzi dzose imi mhandara yakakomborerwa ine mbiri.
Mutungamiri: Ngatinamatei
Vose: Baba verudo, tinokutendai nomuenzaniso wechitendero noururami wamunotipa nguva dzose kuburikidza nevatsvene venyu. Tinokutendai naMariya anogara akagadzirira kutibatsira. Isu, saiye, ngatigarovavarira kuita kuda kwenyu kuti pamwe naye tizopinda mumbiri youmambo hwenyu; nomune Mwanakomana wenyu Jesu Kristu anogara nemi makabatana naMweya Mutsvene nokus-ingaperi. Amen.
Chiverengo
(Chiverengo chinoteverwa nenguva yorunyararo)
Mharidzo kana kugoverana shoko
Kusuma mikumbiro
(Vose vanopfugama)
Mikumbiro inogona kuverengwa kubva mune yaiswa parukuva.
Munamato weNovhena
(Unoitwa navanhu vose)
Mai voRubatsiro Rusingagumi makanyaradza Mwanakomana wenyu Jesu paaive atarisana namarwad-zo ake. Tava vana venyu vanodanwa kuti vatevere Jesu mudambudziko rake, rufu nekumuka kuupenyu utsva. Tinyaradzeiwo mutibatsire kuwana simba roMweya wake/ kuti tivake humambo hwake pakati pedu. Paanodzokazve mumbiri ngatipembererei nomufaro upenyu huzere pamwe nemhuri yaMwari nokusingaperi. Amen.
Detembo kuna Amai Mariya
Tenzi tinzwireiwo Tsitsi … Tenzi tinzwireiwo tsitsi
Kristu tinzwireiwo tsitsi … Kristu tinzwireiwo tsitsi
Tenzi tinzwireiwo Tsitsi … Tenzi tinzwireiwo tsitsi
Kristu tinzweiwo … Kristu tidavireiwo norupfave
Mwari Baba muri kudenga … Tinzwireiwo tsitsi
Mwari Mwanakomana Mununuri wapasi … Tinzwireiwo tsitsi
Mwari Mweya Mutsvene … Tinzwireiwo tsitsi
Utatu Hutsvene, Mwari Mumwechete … Tinzwireiwo Tsitsi
Mariya Mutsvene … Tirevereiwo
Mariya chiringiro chechitendero …
Mariya muyenzaniso wechitarisiro …
Mariya muyenzaniso worudo …
Chitarisiro chavarombo …
Simba ravakapfava …
Nyaradzo yavanochema …
Mubairo wavane tsitsi …
Kupenya kwavakachena pamwoyo …
Hurudziro yevasakisi vorugare …
Tsigiro yavanoshungurudzwa …
Amai veSangano …
Amai veparishi yedu …
Amai vemhuri yedu …
Amai vevana vedu …
Amai vevabereki …
Amai vanababa vezvomweya nemadhikoni …
Amai vevanhu-kadzi nevanhu-rume vakapikira …
Amai vorubatsiro rusingagumi …
Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi … tiregereiwo Tenzi
Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi … tidavireiwo norupfave Tenzi
Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi … tinzwireiwo tsitsi Tenzi
Mutungamiri: Ngatinamatei
Vose: Tenzi Jesu verudo, makatipa kuti tiremekedze mucherechedzo waamai venyu vakakombo-rerwa zvikuru une zita rakakosha rokuti ‘Rubatsiro Rusingagumi,’ tipeiwo nenyasha dzenyu kuti pakati peshanduko dzose dzerwendo rweupenyu hwedu tidzivirirwe nerubatsiro nechengetedzo inogara iripo yaMariya Mhandara isina Mhaka, kuti tikodzere kuwana mibayiro yoruponeso rusingagumi, imi munogara nokutonga naMwari Baba makabatana naMweya Mutsvene nokusingaperi. Amen.
Kukomborera vanorwara
Mutungamiri: Baba tinounza vose vari kurwara, mupfungwa kana mumuviri, zvikuru ava vatava kunamatira (…domai mazita avo…) komborerai vose nave mitoro inorema kuti mukucheneswa namarwadzo avo vawane kurapwa netsitsi dzenyu, nomunaKristu Tenzi wedu.
Vose: Amen.
Mutungamiri: Tinokutendai nebasa raJesu rekurapa richirimo muSangano. Tinonamatira vose vari pano vanoda kurapwa mupfungwa kana mumuviri.
Vose: Ngavazive simba rokubata kwake kunorapa.
Mutungamiri: Tinounza kwamuri vose vari kurwara vakakumbira minamato yedu, navose vanotambura vane mitoro inorema.
Vose: Ngavawane zororo muna Jesu Mwanakomana wenyu.
Mutungamiri: Tinonamatira zvikuru vane hurwere huchavasvitsa muchishamiso cherufu. Vose: Nga-vawane rugare muna iye anogara nemi nokusingaperi makabatana naMweya Mutsvene, Mwari, narini narini. Amen.
Mupriste/mudhikoni
(Achitambanudza maoko ake akananga gungano)
Tenzi Jesu Kristu ngaave nemi kuti akudzivirirei; ave mamuri kuti akuraramisei;
pamberi penyu kuti akutungamirirei;
pashure penyu kuti akuchengetedzei;
pamusoro penyu kuti akukomborerei;
+Muzita rababa neroMwanakomana neraMweya Mutsvene.
Vose: Amen.
Kuremekedza mucherechedzo
(Rwiyo rwaMariya (papeji —) rungaimbwe mucherechedzo uchipfungaidzirwa)
Munamato wokukomborera
(Pamunamato wekukomborerwa Sakaramende Dzvene ringa ringaburitswe nokupfugamirwa vanhu vozokomborerwa naro. Kana pasina pfugamiro munamato unotevera wekukomborerwa ungaitwe.)
(Vose vanopfugama.)
+ Mwanakomana waMwari akazvarwa naMariya Mhandara yakakomborerwa kuti anunure marudzi avanhu. Zadzwai neupfumi hwemakomborero ake. Amen.
+ Nomuna Mariya mavambo ohupenyu hwose akakauya kwamuri. Rudo rwemwoyochena wake ngarwukumbundikirei nguva dzose. Amen.
+ Mauya semhuri kuzoremekedza Mariya pasi pano. Mweya womufaro ngauvenemi munzira yokuen-da kumusha usina muguma. Amen.
+ Mwari vanamasimba ose ngavakukomborerei, Baba neMwanakomana naMweya Mutsene. Amen.
