©Musakope novhona iyi nechinangwa chokutsvagisa mari musina mvumo
D. NOVENAYAMAI VORUBATSIRO RUSINGAGUMI MUMISA
Rwiyo rwedairo
(Mushure mechiverengo chokutanga)
Mutungamiri: Ngatichirumbidzai nekutenda Mwari namazwi akaiswa pamuromo paMariya.
Ini ndinokurumbidzai Tenzi nomwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari muponesi wangu,
Nokuti akatarisa netsiye nyoro murandanhando wake,
Chionai, kubvira zvino marudzi ose achanditi munatswi,
Nokuti Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru,
zita rake rinoera.
Anonzwira tsitsi avo vanomutya,
kubvira chizvarwa nechizvarwa,
Anoita zvina masimba noruoko rwake,
anoparadza vanozvikudza nendangariro dzemwoyo yavo.
Anobvisa vanyamasimba pazvigaro zvavo,
achisimudzira vanhunhando.
Vane nzara anovagutsa nezvinhu zvakanaka,
vapfumi anovaendesa vasina.
Akabatsira Isiraeri muranda wake,
sezvaakatsidzira madzibaba edu.
Akayeukawo tsitsi dzake kuna Abhurahamu nokuna vedzinza rake nemisi isingaperi.
Mikumbiro yakasiyana-siyana
Tinokumbira Mariya kuti abatane nesu, patinotendeukira kuna Mwari mumunamato, tichifunga nez-vezvido zvedu, zvido zveSangano nezvido zvevanhu vose vaMwari.
Dairo: Mariya Mhandara ngaatireverere
Mutungamiri: Tinozvinamatira kuti tive nechivindi mukushungurudzika kwedu. D.
Tinonamatira mhuri dzedu kuti dzimba dzedu dzive nzvimbo dzekugamuchirwa, kudiwa nekunzwisiswa. D.
Tinonamatira parishi yedu kuti tishandise zvipo zvedu kushandira Sangano. D.
Tinonamatira Sangano redu kuti riropafadzwe navapristi navapikiri vakanaka. D.
Tinonamatira pasirose kuti umambo hwaMwari hweruenzaniso, rugare nerufaro hupfakachire kwose kwose. D.
Tinonamatira zvinangwa zvedu pachedu (ngatinamatei muchinyararire kwekamukowoko (kwe-kanguva]). D.
Munamato weNovena
Mutungamiri: Pamwechete ngatiitei munamato weNovena.
Vose: Mai voRubatsiro Rusingagumi, noruvimbo rukurusa tinouya pamberi pomufananidzo wenyu mutsvene kuti tikurudzirwe nomuenzaniso weupenyu hwenyu. Tinokufungai panguva iya, zvamakanga muzere nechitendero noruvimbo (kunyinda), mukagamuchira daidzo yaMwari yokuva amai voMwanakomana wake. Tibatsirei isu, vana venyu, kugamuchira norufaro daidzo yedu muupenyu.
Pamakaziva kuti hama yenyu Erizabeti yaida rubatsiro, makaenda pakarepo kunomubatsira. Tibatsirei-wo, semi, kuitira vamwe hanya.
Tinofunga nezvenyu, Amai, muri munyasi moMuchinjikwa. Moyo wenyu unofanira kuva wakabuda ropa muchiona mwanakomana wenyu achigungudzika. Asi mufaro wenyu waiva mukuru zvaakamuka muvafi, akunda huipi.
Mai Vamarwadzo, tbatsirei mumiedzo nemukuodzwamoyo kwedu. Tibatsirei tisakondokwa. Ngatigoverane nemi noMWanakomana wenyu mufaro wokunge tatsungarara pakutarisana nembo-nano dzeupenyu. Amen.
Munamato Wokutenda
Munamato uyu unoitwa mushure meMisa, parutumba rweMbenembe Yedu.
Vose: Mwari, Musiki wedu, tinokutendai nechipo cheupenyu nezvipo zvose zvomuzvarirwo wedu: pfungwa dzedu, njere dzedu, matarenda edu nerukwaniso rwedu. Tinokutendai nekutisika nomuen-zaniso nemufananidzo wenyu uye nekutipa pasi rino kuti tipashandise nokupabudiririsa, ku-paremekedza nekupakoshesa.
Zvisinei nekukundikana kwedu, munoramba muchitiratidza rudo rwenyu nhasi nekuwedzera upenyu waMweya matiri patafura yeYukaristiya.
Chekupedzisira, Baba, tinokutendai nokutipa Mariya amai voMwanakomana wenyu kuti vave Amai vedu voRubatsiro Rusingagumi, uye nokuda kwezvinhu zvose zvinofadza zvamakatiitira, zvikuru kutipa Mwanakomana wenyu Jesu kuti ave mununuri (mudzikinuri) wedu.
Tinovonga nemutsa wose watakagamuchira nokuda kwekutireverera kwavo. Tinonamata kuti ngoni dzose dzatakaratidzwa dzitikurudzire kuva noruvimbo rukuru rwenyasha dzerudo rwenyu nekutsvaga rutsigiro rwaAmai voRubatsiro Rusingagumi. Amen.
