MUNAMATO WOKUDZIVIRIRWA
(Paunoverenga Nziyo 91, nyatsotenda kuti zvirikutoitika kwauri)
Mwari mudziviriri wedu (Nziyo 91)
Munhu anogara mudumba roWokumusorosoro, anogara mumumvuri waSamasimbaose, anogona kuti kuna Tenzi, “Ndimi diziro rangu nhare”.
Nokuti achakununura kumunhu anokuteya zvakaipa uye kudenda rinoparadza.
Achakufukidza neminhenga yake uchiwana pokuhwanda mumapapiro ake. Kutendeka kwake inhowo yakatenderedza.
Zvinotyisa zvousiku hauzozvitya kana museve unokandwa masikati.
Kana mharadzi dzinofamba murima, nyange zvinoparadza masikati machena.
Kurutivi rwako kungawire zvako churu kurudyi kwako kugowira gumi rezviuru asi iwe hapana chinokusvika.
Uchangozvitarisawo nameso kuti uone mubayiro wavakaipa.
Nokuti unenge wati Tenzi ndiye mudziviriri wangu waita musha wako muna Wokumusorosoro.
Hapana chakaipa chinokuwira kana denda rinosvikawo pamusha pako.
Nokuti achapa vatumwa vake basa rokukuchengeta panzira dzako dzose.
Vachakubata mumaoko kuti urege kugumbura tsoka yako pabwe.
Uchatsika zvako pamusoro peshumba nechiva. Shumba, ino chaiyo, yechidiki nenyoka, uchazvitsika-tsika pasi petsoka dzako.
Pamusana pokuti anoita chiname neni, chichamununura rudo. Ndichamudzivirira nokuti anoziva zita rangu.
Akadana kwandiri ndichamupindura; ndichave naye munhamo; ndichamununura ndichimuremekedza.
Ndichamugutsa noupenyu hurefu ndigoita kuti aone ruponeso rwangu.
Kudzivirirwa neRopa Rakakosha raJesu
Jesu muponesi naMwari wangu,
ndishambidzei pamwe navadikani vangu
uye nazvose zvandinazvo,
muropa renyu rakakosha.
Tidzivirirei uye mutizadze
norudo rwenyu rwusina mugumo.
Munamato wokudzikinurwa
Nomuzita raJesu Kristu Tenzi, kumbiri yaBaba,
ndinokumbira ropa rinoera raJesu Kristu,
rakateurwa paKarivhari
kuti rindidzivirire pamwe navadikani vangu vose,
shamwari dzangu dzose
uye munhu wose ari muno mumba.
Nomuzita raJesu Kristu neropa rake rakakosha,
ndinosunga masimba ose omweya yakaipa iri mumhepo,
panyika, mumvura,
pasi penyika neiyo inobva kunyika yavashakabvu.
Neropa rinoera raJesu,
ndinoisa chidhindo muimba ino,
napamusha uno,
kuti simba rowakaipa risambopinde
kana kuti kanganisa njere.
Ndinokutendai Jesu. Ndinokurumbidzai Jesu.
Namata nechemumwoyo)
MUNAMATO WEHONDO YOMWEYA
Baba Vokudenga, ndinokudai, ndinokurumbidzai, ndinokunamatai. Ndinokutendai nokunditumira Mweya wenyu Mutsvene anondisimbaradza nokunditungamirira kuupenyu uzere. Ndinokutendai nokundipa Maria amai vangu vokudenga, vanogarondireverera pamwe navatumwa navatsvene vose.
Munamato pakurwiswa
Tenzi Jesu Kristu, ndinozviisa pasi poMuchinjikwa wenyu ndichikumbira kuti mundishongedze neropa renyu rakakosha rakateuka kubva mumwoyo wenyu mutsvene kwazvo uye mumaronda enyu matsvene kwazvo. Tenzi Jesu, ndivhenekereiwo nechiedza chenyu chinoera.
Baba vokudenga, itai kuti mvura inoporesa yandakaombekwa nayo, iyerere zvakare nomuzvizvarwa zvekwa amai nezvekwababa vangu, ichenese mhuri, hama namadzitateguru angu. Ivasunungure kubva muhuranda hwesimba romuipi wavaikumbira rubatsiro, vasingazive kuti uku kwaiva kutadzira imi nomwanakomana wenyu Jesu Kristu.
Nomuzita raJesu rinoera ndinotora zvakare chiri chose changu chakabiwa nasatani, ndichichiisa pasi poumambo hwaJesu Kristu.
Baba, nesimba raMweya Mutsvene wenyu, ndiratidzei vanhu vandinofanira kuregerera uye matadzo andakasiya andinofanira kupfidza. Ndiburitsireiwo pachena Baba, zvinhu zvose zvisingakufadzei muupenyu hwangu, nzira kana mukana wandakapa satani kuti apinde muupenyu hwangu.
Baba, ndinokupai kusada kuregerera kwangu, matadzo angu nenzira dzose dzakasakisa kuti satani apinde muupenyu hwangu, Ndinokutendai Baba nokundiratidza izvi. Ndinokutendai nokundiregerera uye rudo rwenyu rwunodzikinura.
Tenzi Jesu, nomuzita renyu rinoera, ndinosunga mweya youipi iri mumhepo, mumvura, muvhu, pasi penyika neiri munyika yavashakabvu.
Zvakare nomuzita raJesu, ndinosunga vatumwa vose vanobva kumuzinda wasatani, ndichikomekedza ropa rakakosha raJesu kuti ritonge pamusoro pemhepo, mvura, ivhu nemichero yaro yakatikomberedza, pasi penyika uye kunyika yavashakabvu,
Baba vokudenga, zvino chibvumirai kuti Mwanakomana wenyu Jesu auye kuzondidzivirira, akabatana naMweya Mutsvene pamwe naMaria Mhandara Tsvene, vatumwa navatsvene kuti ndisawire munjodzi yokurwiswa nomweya yakaipa ingade kutsiva.
(Dzokorora mutsara unotevera uyu katatu kuti upe mbiri kuna Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene)
Nomuzita rinoera raJesu, ndinozvidhinda neropa rakakosha raJesu ini (… zita …), hama dzangu, musha uno, motokari, nzvimbo, zvishandiswa zvose nekwazvinobva.
(Kuti ukwanise kudimbura nokuparadza zvidhindo zvasatani, dzokorora katatuzvinotevera izvi kuti upe mbiri kune Utatu Hutsvene, nokuti zvidhindo zvasatani zvinokarirwa katatu zvichituka Utatu Hutsvene)
Nomuzita rinoera raJesu, ndinodimbura nokuparadza kushurikirwa kwose, misungo nemiteyo, manyepo, zvipingaidzo, kurasiswa, urwere, kusashanda namazvo, mviromviro dzokukanganisa nokutadza kwangu.
Nomuzita raJesu ndinodimbura magamuchidzanwa emhiko dzasatani, hukama, zvitenderano namabasa ake.
Nomuzita raJesu ndinodimbura nokuparadza zvose zvine chokuita nokushopera, masvikiro, kuporofita kunoshandisa nyenyedzi, uroyi, zvemudzimu, neimwe mweya namaitiro asatani ounyenyengedzi.
Nomuzita raJesu, ndinoparadza nokushaisa simba maitiro ose okunamata nokupira asingapi remekedzo uye mbiri yechokwadi kuna Jesu Kristu.
Mweya Mutsvene, nomushoko roruzivo, ndiratidzeiwo mweya yakaipa yakadzemeterana kana kuhakira pandiri nedzimwe nzira dzandisingaoni ndoga.
(Nyarara kwechinguva uchimirira kunzwa mashoko anouya kwaari, seanoti: hasha, pfini, ruvengo, utsinye, upenzi, unyengedzi, ruchiva, kutya, godo, kusagadzikana, kuzvitutumadza, makuhwa. Zvino namatira umwe nomumwe wemweya iyi yawaratidzwa nenzira inotevera)
Nomuzita raJesu, ini ndinokudzinga iwe mweya we … Zvino ndinokuti enda kuna Jesu. Usazviratidze zvakare kana kukuvadza ini kana umwe munhu. Iye Jesu anoziva zvokuita newe, maererano nokuda kwake.
Baba vokudenga, ndinokutendai norudo rwenyu. Ndinokutendai Mweya Mutsvene mandipa simba rokurwisa satani nemweya yakaipa. Ndinokutendai Jesu mandidzikinura. Ndinokutendai amai Maria mandireverera muri pamwe navatumwa navatsvene.
Tenzi Jesu, ndizadzeiwo norudo, mwoyochena, kutendeseka, unyoro, chitarisiro, kuzvidukupisa, mutsa, rufaro, chiedza, tsitsi, kutsiga, rugare, kuchena, kuzvibata, utsvene.
Ndibatsirei ndifambe muchiedza chenyu uye chokwadi, kuti ndavhenekerwa naMweya Mutsvene, ndibatane nemi kurumbidza, kutunhidza nokupa mbiri kuna Baba zvino nokusingaperi. Sezvo imi Tenzi Jesu muri “… Nzira, chokwadi noupenyu” (Johani 14:6). “Ndakauya kuti vanhu vawane upenyu, uye kuti vawane upenyu uzere” (Johani 10:10).
Tarisai muone, Mwari ndiye ruponeso rwangu, ndinovimba naye handichatyi nokuti iye Tenzi Mwari, ndiye simba rangu, ndiye rwiyo rwangu ndiye ava ruponeso rwangu. (Izaya 12:2)
Areruya … Amen.
Munamato wokurwisa
Baba vokudenga ndinokotama ndichikunamatai nokukurumbidzai. Ndinozvishongedza neropa rakakosha raTenzi Jesu Kristu sechidziviriro changu panguva ino yandiri kunamata. Ndinozviturira kwamuri zvizere, pamwe nazvose zvine chokuita noupenyu hwangu.
Panguva ino ndinoramba nokurasa mabasa ose asatani angandipingaidza kunamata. Ndinozvipa chete kuna Mwari mupenyu wechokwadi, ndichiramba zvachose kuti satani ave nechokuita mumunamato wangu.
Nomuzita raJesu ndinoti satani bvirakure neni, iwe pamwe nemweya yako yose yakaipa. Ndinodzika ropa rakakosha raTenzi Jesu pakati pangu newe. Baba vokudenga ndinokunamatai, ndinokurumbidzai. Ndinoziva kuti munokodzera kuti mugamuchire mbiri, kuremekedzwa nokurumbidzwa. Ndinodzokorora kuzvipira kwamuri patsva ndichikumbira kuti Mweya Mutsvene andisimbiradze panguva ino yokunamata.
Ndinokutendai Baba vokudenga nokuti makandida kubvira pakutanga kwenguva, mukatuma Tenzi Jesu Kristu kuti afe pachinzvimbo changu, kuti ini ndinunurwe.
Ndinotenda kuti nomuna Tenzi Jesu Kristu akauya kuzondimirira, Imi makabva mandiregerera zvizere mukandipa upenyu husingaperi.
Nokundipa ururami husina kana netsvekwa hwaTenzi Jesu Kristu, makandisunungura kubva kuchirango chorutadzo. Ndinotenda kuti nomaari, makandiita munhu zvizere uye munozvipa pachenyu kwandiri kuti muve simba rangu.
Baba vokudenga, uyai muzarure meso angu ndione hukuru hwenyu uye ndione kuti matondigadzirira zvizere zvezuva idzva. Nomuzita raJesu Kristu, ndinogara panzvimbo yangu naKristu kudenga, ndakaisa pasi petsoka dzangu utongi hwose namasimba erima nemweya yose yakaipa.
Ndinotenda kuti kukunda kwandakaitirwa naTenzi Jesu Kristu paMuchinjikwa, uye kumuka kwake muvafi, kwaita kuti ndipihwewo chigaro pamwe naye kudenga. Naizvozvo, nomuzita raTenzi Jesu Kristu utongi hwose nemasimba erima nemweya yakaipa, zviri pasi pangu.
Ndinotenda zvombo zvekurwa hondo zvamakandipa, naizvozvo ndinozvisunga chiuno nechokwadi sebhandi, ndakapfeka demautare paditi rokururama, mutsoka dzangu shangu dzorugare, mumusoro ruponeso senguwani, ndakabata nhoo yechitendero nebakatwa reShoko raMwari.
Ndinosimudza nhoo yechitendero kudzima miseve yose yomoto yewakaipa nokutora bakatwa raMweya rinova ndiro Shoko raMwari randinoshandisa kurwisa masimba omuipi muupenyu hwangu. Ndinopfeka zvose zvekurwisa nazvo ndichigara upenyu hwokunamata nokuvimba nemi Mweya Mutsvene.
Ndinokutendai Baba vokudenga kuti Tenzi Jesu Kristu akakunda mweya ine ukuru ukuru, neino ushe nemweya inotonga pasi pose namasimba, achizviratidza pachena kukunda kwake pamusoro payo. Nhasi, ini ndinotora kukunda uku muupenyu hwangu, sokukundawo kwangu muna Kristu.
Ndinorasa kubva muupenyu hwangu, kufurirwa, kupomerwa mhosva nokuedzwa nasatani. Ndinotsidza kuti Shoko raMwari ichokwadi chandinosarudza kurarama nhasi uye rinondivhenekera somwenje. Baba vokudenga, ndinosarudza kugara ndichikuteererai uye ndiri muukama hwepedyo-pedyo nemi.
Zarurai meso angu, ndione zvinhu zvisingakufadzei muupenyu hwangu. Pindai muupenyu hwangu muite kuti pasambova nomukana wokuti satani atonge pamusoro pangu. Ndiratidzei nzvimbo dzine utera pandiri. Ndiratidzei pakamonyoroka muupenyu hwangu pamunoda kuti ndigadzirise kuti ndikufadzei. Nhasi ndinokugamuchirai muna zvose uye basa raMweya Mutsvene muupenyu hwangu.
Nokutenda uye nechivimbo, ndinokatanura munhu wakare ndichitora kukunda kwaTenzi Jesu Kristu paMuchinjikwa apo pavakachenesa umunhu hwakare. Ndinobvisa umunhu hwangu hwomugariro wakare hwakaodzwa nehavi dzounyengedzi, ndichivandudzwa patsva mumweya nomupfungwa. Ndinopfeka unhu hutsva hwakasikwa hwakatodzana naMwari muururami noutsvene huri pachokwadi.
Nokudaro, nhasi ndinokanda pasi unhu wakare wamakaro noundingoveni, ndichipfeka munhu mutsva worudo. Ndinokanda pasi munhu wakare azere kutya, ndichipfeka munhu mutsva ane ushingi, uye munhu wakare ane utera nehavi dzounyengedzi, ndichipfeka munhu mutsva woururami nokuchena.
Ndinogamuchira kukunda, kukwira kudenga nokupiwa mbiri kweMwanakomana waMwari kwaanogara achitonga zvinhu zvose. Ndinotora chinzvimbo changu nomuna Kristu, kukunda mhandu dzomweya wangu dzose. Utatu Hutsvene, uyai mundizadze. Pindai muupenyu hwangu muparadze ukama nezvimwari zvenhema uye mudzingire kure muvengi wose.
Baba vokudenga ndinokutendai nokundizivisa kuda kwenyu muupenyu hwangu zuva roga-roga, kuburikidza nomuShoko renyu. Nokudaro kuda kwaMwari ngakuitwe mandiri nhasi.
Ndinokutendai kuti nomunaJesu Kristu, mandipa makomborero ose omweya kunzvimbo dzokudenga. Ndinotenda kuti mandibara patsva muchitarisiro chipenyu chokumuka muvafi kwaJesu Kristu. Ndinotendazve kuti nhasi mafanondigadzirira kuti ndigare ndakazadzwa noMweya waMwari worudo, mufaro nokuzvidzora muupenyu hwangu.
Ndinocherechedza nokugamuchira kuda kwenyu mandiri, saka ndinorasa nokuramba kufurirwa nokuvhevhetedzwa kwose kwasatani nemweya yake yakaipa, inoda kundibira nokunditadzisa kuita kuda kwaMwari. Ndinozvidzivirira nenhoo yechitendero, ndichivhika kunenedzerwa nokufurira kwose kunoiswa mupfungwa dzangu nasatani.
Nomuzita raTenzi Jesu Kristu, ndinozviturira zvizere kwamuri Baba vokudenga, somupiro mupenyu. Ndinoramba zvandinodiwa kuti ndive nenyika, ndichisarudza kusandurwa nokuvandudzwa mafungiro. Ndinokumbira kuti mundiratidze kuda kwenyu uye mundibatsire kufamba nhasi ndiri mukuda kwaMwari zvizere.
Ndinokutendai Baba vokudenga, nokuti zvombo zvokurwisa zvamakatipa hazvisi zvepanyama, asi Mweya waMwari unotigonesa kuparadza mizinda yose yakaipa kana mafungiro anoratidza seakanaka anorwisana noruzivo rwaMwari, kuitira kuti pfungwa nokuteerera kwose kupihwe kuna Tenzi Jesu Kristu.
Naizvozvo, nhasi ini ndinoparadza utongi hwasatani muupenyu hwangu, uye urongwa hwake hwose hwokundirwisa. Ndinoparadza utongi hwasatani pamusoro pehana yangu, kuti pfungwa dzangu dzive pamurichete imi Utata Hutsvene. Baba vokudenga, ndinotsidza kuti zviro kwazvo hamuna kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, rudo nehana dzakadzikama.
Nhasi ndinoparadza simba rasatani nazvose zvaandirongera pamusoro pemamapangiro angu, ndinozvipa kwamuri kuti kuda kwenyu kuitwe uye ndisarudze zvakanaka nokutendera. Ndinoparadza utongi hwasatani pamusoro pomuviri wangu, ndichiupa kwamuri nokucherechedza kuti itemberi yenyu. Ndinofara mutsitsi nokunaka kwenyu.
Baba vokudenga, ndinokumbira kuti mundidzikamise murunyararo muzuva rose ranhasi, mundiratidze kupingwa, kuedzwa, kunyeperwa nokuvanzirwa chokwadi muupenyu hwangu kwandiri kuitwa nasatani.
Itai kuti ndive munhu anokufadzai. Ndipei kushinga nokutirira pakunamata. Ndirodzeiwo njere kuti mafungiro angu afanane nemafungiro enyu, kuitira kuti ndikupei nzvimbo yenyu yakakodzera muupenyu hwangu.
Ndinozvishongedza zvakare neropa rakakosha raTenzi Jesu Kristu, ndichikumbira imi Utatu Hutsvene kuti muunze muupenyu hwangu mabasa ose okurovererwa paMuchinjikwa, kumuka muvafi, kutunhidzwa nembiri, nokudzika kwaMweya mutsvene. Ndinoisa upenyu hwangu mumaoko enyu. Ndinoramba kudzokera shure.
Ndimi Mwari wechitarisiro chose. Makaratidza simba renyu nokumutsa Jesu Kristu kubva kuvafi, nokudaro mukava mukundi pamusoro pemasimba ose asatani. Ndinokunamatai nokukutendai nomuzita raTenzi Jesu Kristu. Amen.
Kunamatira kupiwa simba
“Kana ndichinge ndasimudzwa, ndichakwevera vanhu vose kwandiri”.
(Tangisa zuva roga-roga nokuita Jesu Tenzi wezuva rako)
Jesu, ndimi Tenzi wezuva idzva ranhasi, ndimi Tenzi wenguva yangu yokunamata, Tenzi wedambudziko iri kana chipingaidzo ichi, wemusangano uyu, werwendo urwu … Ndimi Tenzi wangu zuva ranhasi!
Munamato wokukumbira simba rokukunda zvinorwisa umambo hwaTenzi
Nomuzita raJesu, ndinogamuchira simba uye ndichisunga masimba ose ari mumhepo, panyika, mumvura, pasi penyika, ari munyika yavashakabvu, muzvisikwa neari mumoto. Ndimi Tenzi wedenga napasi ndinokupai mbiri nokuti ndimi musiki wezvose.
Nomuzita renyu, ndinosunga masimba ose adhiabhori ari kutirwisa isu pamwe nemhuri dzedu. Ndinoisa patiri tose rupawo rwokudzivirirwa neropa renyu rakakosha rakateurwa paMuchinjikwa.
Maria amai vedu, tinokumbira kudzivirirwa nokurevererwa kuMwoyo Mutsvene waJesu isu nemhuri dzedu, mutikomberedze nehanzu yorudo rwenyu, muvengi atizire kure nesu.
Mikaeri Mutsvene, mutumwa muchengeti wedu, uyai kuzotirwira isu nemhuri dzedu, muhondo nowakaipa uyo anofamba-famba panyika.
Saka zvino nomuzita raJesu, ndinosunga nokukarira masimba ose owakaipa kuti atizire kure nesu, misha yedu, nyika nemabasa edu. Ndinokutendai Tenzi Jesu, nokuti muri Mwari akatendeka uye azere norudo. Amen.
Kwaziwai Maria …
Kukomborerwa nezvipo zvinomwe zvinobatsira zvaMweya Mutsvene
Muzita raBaba neMwanakomana naMweya Mutsvene. Amen.
Tenzi Baba vedu vokudenga, titarireiwo nenyasha isu varanda venyu. Pamusana peropa rakakosha raJesu, ndiitireiwo nyasha ndiwane zvipo zvaMweya Mutsvene kuti ndigone kukuzivai zvakajeka, ndikudei zvakadzama nokukuteverai nguva dzose. Dzingirai kure nomuranda wenyu, njodzi dzinounzwa nowakaipa.
Mweya wakaipa, iwe wakarambwa naMwari, ndinokukarira iwe navateveri vako, kuti utize izvozvi! Ndinobvisa nokuparadza uturu hwemuchetura hwakaiswa mandiri usadzokezve kana kuva nesimba pamusoro pangu. (Tora Muchinjikwa usimudze mudenga)
Tarira Muchinjikwa waTenzi; tizai imi mweya yakaipa. Ndinokukarirai somwana weSangano Dzvene Katorike. Nomuzita raBaba neroMwanakomana naMweya mutsvene. Amen.
