Kunamatira imba (musha)
Tenzi, fadzwaiwo nomusha wedu uyu. Huvepo hwenyu ngautidzivirire nokudzingira kure mhandu nemweya yose yakaipa ingatirwisa nokutikuvadza. Tichengetedzeiwo pamuviri mweya nomwoyo yedu. Daiwaro mutumwa wenyu anoera, agara mumusha wedu kuti tigogarawo murugare uye musha wedu ugova diziro rerudo nomufaro. Daiwaro chikomborero chenyu chagara pamusoro pedu nguva dzose. Tinokumbira izvi nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu. Amen.
Kunamatira chipo chemwana
Mwari Baba vedu, ubereki hose hunobva kwamuri. Chiitai kuti tigoveranewo nemi simba renyu rokusika munhu, tione mumwana wamuchatitumira, chiratidzo chipenyu chouvepo hwenyu muimba yedu. Komborerai rudo rwedu rwubereke izwi idzva rinobatana nesu mukukurumbidzai, mwoyo mutsva unokudai uye upenyu hutsva huchakupupurai. Amen.
Kunamatira vabereki
Mwari ndinokutendai pamusana pavabereki vangu vadiwa, vakandida nokundiriritira. Ivai navo muvavhumbamire nohuvepo hwenyu. Zarurai mwoyo yavo vagone kuvimba nemi nguva dzose. Ndibatsirei ndigone kuvaratidza kutenda kwangu zvose zvavakandiitira. Ndiregerereiwo nguva dzose dzandakava shungurudza. Vakomborerei noutano hwakanaka uye mufaro. Ndinovaisa mumaoko enyu kuti muvachengetedze nerudo rwune upfave. Vachengetedzei vari pamwe muupenyu huno nehuchatevera. Amen.
Kunamatira vana
Mwari Baba vedu, makatikomborera nechipo chevana, tinokutendai nezvipo izvi zvakakosha zvinoshongedza imba yedu. Kuseka kwavo kunotipa mufaro uye chiedza muupenyu hwedu. Ndivo zvapupu zvouvepo hwenyu mukati memusha wedu. Kukura nokuyaruka kwavo kunoratidza chakavandika chorudo rwenyu. Daiwaro vakurawo murudo rwehuvepo hwenyu nomuungwaru. Ramangwana revana vedu riri mumaoko enyu, asi isuwo tine basa rokuvaumba. Tibatsirei mukugamuchira nokuita basa iri muchokwadi kuti tivabatsire kudavira kwamuri nokuvaita zvamunoda imi kuti vazova. Amen.
Kunamatira hama neshamwari
Baba, nesimba roMweya wenyu, makazadza mwoyo yavanotenda mamuri, nezvipo zvekudanana sehama nehama, chinzwaiwo minamato yandinokumbirira hama neshamwari dzangu. Vapeiwo utano pamweya napamuviri kuti vagogona kukuitirai murudo rwakaruramisisa. Amen.
Kunamatira vapristi
Tenzi Mwari wedu, munotungamira vanhu venyu nebasa ravapristi. Vachengetedzei vakatendeka mukukuitirai kuti upenyu nebasa ravo, zvikupei mbiri nomuna Kristu. Tinokumbira izvi nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu Mwanakomana wenyu, anogara nokutonga pamwe nemi makabatana naMweya Mutsvene muUmwari humwechete kwemisi isingaperi. Amen.
Kunamatira kukunda bvunzo
Tenzi namavambo ezvipo zvose, musiki nyakugara pamusoro penzvimbo nenguva, ndinokurumbidzai nokukutendai pamusana pechipo chenguva. Chidimbu chose chenguva yamunopa upenyu hwangu chakakosha zvikuru. Tenzi, nhasi ndinoda kukutendai pamusana paavo vose vakagoverana neni nguva yavo yakakosha. Ndino yeuka vabereki vangu navadzidzisi. Ndinoda kukutendai nokundipa mukana wokuti ndidzidze. Zvino nguva yasvika yokuti ndiratidze pachena chokwadi changu mune zvose zvandakavavarira kudzidza. Tenzi, ndinodaira kuti ndakaita zvose sokugona kwangu kwose. Tenzi, zvino chindibatsirai kutondera zvose zvandakadzidza uye mugondipa ushingi pakupindura mibvunzo yose. Mweya Mutsvene wenyu ngauve mwenje, simba nomutungamiri wangu. Amen.
Kusakisa rugare
Tenzi ndinochemera kuitwa mudziyo worugare, pane ruvengo ndikushe rudo.
Pane kunyunyuta chitendero
Pane kurasa mwoyo chitarisiro
Pane rima chiedza
Pane kuchema mufaro
Haiwa Tenzi Mutsvene
Itai kuti ndide kunyaradza pane kunyaradzwa
Kunzwisisa vamwe pane kunzwisiswa
Kuda vamwe pane kudiwa
Ndikapa ndinopihwawo
Ndikaregerera ndinoregererwa
Uye murufu ndimo munobuda upenyu usingaperi. Amen.
Kunamatira vari kufa
Jesu Nyatsitsi nomudi wemweya yavanhu, ndinokumbira nomumarwadzo eMwoyo Mutsvene kwazvo wenyu uye waAmai vasina mhaka, kuti muchenese neropa renyu, vatadzi pasi rose vari mumarwadzo uye vakatarisana nenjodzi yokufa zuva ranhasi. Amen.
Kunamatira rufu rwakanaka
Josefa Mutsvene makakomborerwa nokufira mumaoko aJesu naMaria, ndinokutetererai kuti mundiwanirewo nyasha dzerufu rwakanaka. Panguva yokufa, apo panotyisa uye kutambudzika kukuru, ndibatsirei nesimba renyu mundidzivirire kuvavengi voruponeso rwangu. Jesu, Maria naJosefa ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu. Amen.
Kunamatira mufi
Tenzi mupeiwo zororo risina mugumo, chiedza chisingaperi chimuvhenekere. Ngaazororo zvake murugare. Amen.
Munamato wemurume kana mudzimai
Mwari Baba muna masimba ose musina mugumo, tinotenda nokurumbidza zita renyu rinoera. Makasika munhurume nomunhukadzi mukakomborera wanano yavo muchiita kuti vagarobatsirana nokutsigirana. Tirangarireiwo nhasi uno, mutiringe nemutsa mugoita kuti tidanane zvakaperera sezvakaita chipo chorudo chakapiwa naKristu kuSangano rake. Tipeiwo makore mazhinji okugara tiri pamwe mumufaro norugare tichikurumbidzai nomwoyo wose, nomuna Jesu Kristu Mwanakomana wenyu. Amen.
Munamato wababa kana amai
Baba vavavanhu vose, ndimi makandipa vana ava muchivaturira kuti ndivachengete nokuvarera nenzira inokufadzai mukuvagadzirira upenyu usingaperi. Ndibatsireiwo nenyasha dzenyu dzedenga kuti ndikwanise kuzadzisa basa iri rinoera. Ndidzidzisei zvandinofanira kuvapa nenguva yakafanira, uyewo pandinotsiura nepandino nyarara. Itai kuti ndive norupfave asi ndakatsiga, mwoyo wokugamuchira uye hanya dzokuchengetedza vana ava. Nomuna Kristu Tenzi wedu. Amen.
Munamata waAmai vakazvitakura
Baba, ndinokutendai nechipo chenyu chakanakisisa chokundibvumira kugoverana nemi mubasa renyu reubereki. Munguva ino yokumirira, ndinokumbira kuti mudzivirire nokuriritira upenyu hutsva hwavamba mandiri. Itai kuti mwana wangu auye nokupinda muchiedza chenyika zvisina njodzi, uye aponenwe patsva neruombeko. Amai vaMwari, ndinoturira mwana wangu kumwoyo wenyu werudo. Amen.
Munamato womurwere
Mwari samasimba, ndinokupai urwere hwangu ndichiubatanidza nokutambudzika kwakaita Mwanakomana wenyu. Muviri unoera waJesu wakarwadziswa zvinosuwisa kuri kuda kwenyu kuti nomukutambudzika kwake, vanhu vawane ruponeso. Kutambudzika kwangu kunowanawo pfundutso kana ndichikubatanidza nekwaJesu kuti ini navanhu vose vaponeswe.
Mwoyo Mutsvene waJesu, ndinokumbira kuti mutsitsi dzenyu, mundipewo simba rokugamuchira urwere hwangu. Kana kuri kuda kwenyu, mugondidzorerawo kuutano nokuchimbidza. Tenzi wadiwa, imi makarapa ambuya vaPita, ndirapeiwo kuti ndigone kusimuka nokuita basa rangu, kana kundipawo kuzvininipisa mukugamuchira rubatsiro rwavamwe. Ndipeiwo nyasha dzokuona mutsa nomwoyochena wenyu mune zvose zvinoitika muupenyu hwangu. Amen.
Munamato panguva yokusuwa
Mwari imi muri Mwari worugare zvino ini ndiri mukusuwa. Bvisai kusuwa kwangu mundipewo rugare rwenyu. Ndibatsirei kuti ndisapedze nguva nokufunga zvinhu zvandisina simba pamusoro pazvo, ndigone kuzvigamuchira nokuita sokugona kwangu kuti ndikunde.
Tenzi ndipeiwo usiku une runyararo uye hope dzakanaka. Amen.
Munamato womukoti
Tenzi, ivai neni pazuva ranhasi pandichange ndichichengetedza varwere vangu. Itai kuti mashoko angu ave nomutsa nokuti izvi zvakakosha kwandiri. Mugoitazve kuti maoko angu agone kuporesa varwere. Rudo rwenyu ngarupenye nomune zvose zvandinoita kuitira kuti vanoda rubatsiro vakuonei nokukunzwai nomandiri. Amen
Munamato womudzidzisi
Tenzi, ndibatsirei kunzwisisa mwana woga woga. Ndibatsirei kuona kukosha kwemweya yavana ava, ndigotungamira umwe nomumwe wavo munzira yorufaro rwechishamiso cheruzivo – kwete munzira inovatyisa.
Baba wadiwa, sokutarisira kwavo kwandiri kuti ndiva tungamirire munzira yechokwadi yeChikristu, iniwo ndinozvirereka ndichikumbira kuti mundidzidzisewo. Amen.
Munamato womushandi
Tenzi ivai neni mubasa rangu, muite kuti vamwe vashandi vaone kuti ndimi munonditungamira nzira yandinoshanda nayo. Nditungamirirei mukuzvibata nomukutaura uye muzvinhu zvinoita kuti ndiseke. Ndibatsirei kusava nenungo kana kusaita basa rangu namazvo. Daiwaro Kristu awonekwa mandiri naavo vose vanosangana neni. Itai kuti ndigone kubata vamwe vashandi nemutsa uye remekedzo. Ngandimire pachokwadi ndichishanda basa rangu ndisingazezi kana kutya. Daiwaro ndazivikanwa kuti ndiri Mukristu nenzira yandinoita basa rangu. Amen.
Munamato womunhu ari parwendo
Baba, mukufamba kwangu nzendo mazuva ano, ndichengetedzeiwo murudo rwenyu. Ndidzivirirei kunjodzi dzose uye matutu anotyisa. Ndipeiwo ungwaru nouchenjeri kana ndiri mumvura, mumasango kana mumakomo. Ndibatsirei kuremekedza zvinhu zvamakasika kuti ndisazvishore kana kushatisa runako rwazvo. Itai kuti ndizodzoka kumusha ndiine kutenda nemutsa wakawanziridzwa uye ndicherechedze nokuyemura makomborero enyu. Ndinokumbira kuti mukomborero vamwe vose vari parwendo nedziviriro nomutsa mumwechetewo. Ndinokumbira izvi zvose nomuzita raJesu. Amen.
Munamato pazuva rokuberekwa
Mwari ndinokutendai nokundipa rimwe gore reupenyu. Ndinokutendai pamusana pavanhu vose vandirangarira zuva ranhasi vachindikorokotedza nezvipo, mashoko netsamba dzokundishuvira zvakanaka. Ndinokutendai pana zvose zvamakandigonesa kuita nokuva mugore rapfuura. Ndinokutendai pamusana pazvose zvandakasangana nazvo mugore rapera; ndangariro dzokukunda dzinondipa mufaro nguva dzose; nguva dzandakakundikana, dzinondiyeuchidza kuti hapana chandinogona kuita nokwangu, asi ndinotoda rubatsiro rwenyu; nguva yomufaro pandainzwa madziya ezuva; nguva yokusuwa, yandaitizira kwamuri. Amen.
Chiedza tungamira nomutsa
Chiedza nditungamirirei zvinyoronyoro,
Kunyangwe ndakakombwa nokusuwa,
Nditungamirei ndiende mberi!
Usiku irima rakatikwirindindi,
Uye ndiri kure nokumusha,
Nditungamirei ndiende mberi!
Chengetedzai tsoka dzangu;
Handikumbiri kuona zviri kurekure,
Nhano imwechete yakandikwanira.
-Cardinal Newman
