Munamato
Mwari muna masimba ose, imi makakwevera Jeradhi Mutsvene kwamuri kubvira paudiki hwake kuti ave mutevedzeri wemuenzaniso wemwanakomana wenyu akarovererwa paMuchinjikwa tinokutetererai kuti nokutevedzera zvaiitwa naJeradhi Mutsvene tifanane naiye Jesu Kristu akarovererwa paMuchinjikwa. Izvi tinozvikumbira nokuna Kristu Tenzi wedu. Amen.
Zuva rokutanga
Jeradhi Mutsvene makangogara makazara nechitendero ndiwanireiwo chitendero nemwoyo wangu wose zvose zvandinodzidziswa kutendera nesangano dzvene raMwari kuti ndishingirire kugara upenyu hutsvene kuti ndiwane mifaro youpenyu husingaperi. Kwaziwai Mariya … (x9)
Zuva rechipiri
Jeradhi Mutsvene womwoyochena, kubvira paudiki hwenyu makanga musina hanya nezvinhu zvapasi pano ndibatsireiwo kuti ndiise ruvimbo rwangu nguva dzose muna Jesu Kristu chete uyo anova upfumi hwangu hwechokwadi uye ndiye chete anogona kundipa mufaro zvino nemisi isingaperi. Kwaziwai Mariya x9
Zuva retatu
Jeradhi Mutsvene munobwinya norudo, makakwanisa kuona rudo rwezvapasi samarara. Makapira upenyu hwenyu kushandira Mwari nevamwe muchikudza mbiri yaMwari mukuzvininipisa kwenyu uye maigarobatsira vari mumatambudziko nekunyaradza vanosuruvara. Ndinokumbirawo kuti mundiwanirewo gomborero rokuda Mwari oga anova ndiye runako rwose nokuda vamwe pamusana pake, ndizogara naye mumbiri yake isina mugumo.
Kwaziwai Mariya x9
Zuva rechina
Jeradhi Mutsvene ruva dzvene risina chinongo, namagariro enyu akafanana nengirozi uye upenyu hwenyu hutsvene hwamakararama makagamuchidzwa naamai vedu Mariya Mutsvene pamwe nomwana wavo zvivimbiso zvakanakisisa zvorudo, ndinokumbirawo kuti kurwisana nouipi ndigozowanawo ndaza inowanikwa yakamirira avo vakashinga vari muchokwadi. Kwaziwai Mariya x9
Zuva rechishanu
Jeradhi Mutsvene muenzaniso wekuteerera kutsvene, imi makazvirereka mukazviisa pasi peavo vaive vari pachinzvimbo chaJesu Kristu kwamuri muupenyu hwenyu, nenzira iyi makaeresa mabasa enyu epasi. Ndikumbirireiwo kuna Mwari gomborero rokuzviisa pasi pekuda kwaMwari nguva dzose uye kuti ndiwanewo chipo chekuteerera muna zvose kuti ndigotevera Jesu anova ndiye muenzaniso wangu akateerera kusvika pakufa. Kwaziwai Mariya x9
Zuva rechitanhatu
Jeradhi Mutsvene imi makagona chaizvo kutevedzera Jesu Kristu mununuri wedu aiva nembiri huru yekuzvirereka. Ndikumbirireiwo kuti nokuziva udiki hwangu pamberi paMwari ndigokodzerawo kupinda muumambo hwokudenga uhwo hwakapikirwa vanozvirereka nokuzvidukupisa mumwoyo yavo. Kaziwai Maria x 9.
Zuva Rechinomwe
Jeradhi Mutsvene gamba risina kumbokurirwa nechii zvacho makatirira zvikuru mumatambudziko, imi makawana mbiri muutera hwenyu uye makasangana nemanyepo ane utsinye mukasvorwa asi imi makafara kutambudzika pamwe naKristu, ndikumbirireiwo kutsunga nekuzvipira kwamuri mumatambudziko angu kuti ndigoshinga mukutakura Muchinjikwa wangu uyo unozondiwanira ndaza (chiremba) yembiri isingaperi. Kaziwai Maria x 9.
Zuva Rerusere
Jeradhi Mutsvene mudi wechokwadi waJesu ari musakarAmende kwazvo reyukaristiya imi makapfugama nguva yakareba chaizvo pamberi petabhenakoro apo makaraira mifaro yeparadhiso.
Ndibatsireiwo kuti ndive norudo rusungambofi kuna Jesu uyewo kuti ndigamuchire yukaristiya tsvene kakawanda zuva roga roga ndirambe ndichikura murudo rwake rutsvene ndigowanawo gomborero rokuda Jesu.
Kaziwai Maria x 9.
Zuva Repfumbamwe
Jeradhi Mutsvene mwana akadiwa zvikuru nedenga, imi muchiri mudiki makapiwa mwana Jesu namai Maria, vanova vakauya kwamuri mapfiga maziso enyu murufu. Ndinokumbira mundikumbirirewo kuti nditsvage nokuda amai vakakomborerwa muupenyu hwangu, kuti vave mufaro nenyaradzo yangu mumupata wemisodzi kusvika ndabatana nemi pamberi pechigaro chaMwari ndigorumbidza runako rwake kwemisi isingaperi. Amen. Kaziwai Maria x 9.
Jeradhi Mutsvene
Jeradhi Mutsvene mumwe weavo vane mukurumbira wokuita zvishamiso munhoroondo yeSangano Katorike. Paiwongororwa kuti aitwe Mutsvene zvishamiso zvakawanda zvakaratidzwa zvakaitwa kuburikidza nekuna Jeradhi Mutsvene.
Kubvira musi wokuzvarwa kwake 6 Kubvumbi 1726, kusvikira musi waakafa ave nemakore makumi maviri ane mapfumbamwe Jeradhi Mutsvene aiva ndonda. Pamusana paizvozvo akarambwa katatu kutambirwa muupenyu hwokupikira. Mushure mokunge agamuchirwa muchita cheMununuri (maRedemptorist) nokuratidza undonda hwake pachiso chake zvakazoonekwa kuti iye ari oga aikwanisa kuita basa raiitwa nevanhu vana. Mushure mekutambirwa saBhudhi (brother) muchita ichi akafamba mumaruwa emuItari somuparidzi weshoko raMwari akazove mudziyo wokuti masimba aKristu okurapa aibuda nemaari. Kunyangwe nanhasi uno nokureverera kwake anoenderera mberi achibatsira vatenderi vanokumbira minato yake.
Hakuna munhu akakwanisa kutsanangura zvinogutsa kuti pamusana pei Jeradhi Mutsvene achitorwa somurevereri wanamai. Muupenyu hwake muzviitiko zvakawanda munamato wake wakaponesa upenyu hwamai nemwana wavo achangobva mukuzvarwa. Mushure mekufa kwake zvakaonekwa kuti tsika huru yaive nemukurumbira muupenyu hwake yaive yokuti, “Ruvimbo mune zvinobva kuna Mwari.” Pamusana paizvozvi vanhu vakawanda vakakweverwa kukumbira nekwaari. Aiwanzofarira kutaura achiti, “Mwari achatipa” zvinova zvinopikisana nemararamiro, mafungiro nokutya kwevanhu vanofunga nezvepasi pano.
Kwapfuura makore mazana maviri apo Jeradhi Mutsvene akamboti, “Kana paine munhu asingakwanisi kutakura matambudziko anobva kuna Mwari, kumbira kwandiri kuti ndikubatsire kana kuti ndikanzwa nezvemunhu ane dambudziko irori ndinomunamatira kuti Mwari amupe girasiya rokutambira kuda kwaMwari.
Zuva raJeradhi Mutsvene rinopembererwa musi wa16 Gumiguru.
Ritani kuna Jeradhi Mutsvene
Tenzi tinzwireiwo tsitsi … Tenzi tinzwireiwo tsitsi
Kristu tinzwireiwo tsitsi … Kristu tinzwireiwo tsitsi
Kristu tinzweiwo … Kristu tidavireiwo
Mwari Baba muri kudenga … Tinzwireiwo tsitsi
Mwari mwanakomana mununuri wapasi … Tinzwireiwo tsitsi
Mwari Mweya mutsvene … Tinzwireiwo tsitsi
Utatu usnde Mwari mumwechete … Tinzwireiwo tsitsi
Maria Mutsvene Amai voRubatsiro Rusingagumi … Tireverereiwo
Josefa Mutsvene muchengeti waKristu …
Arifonzo Mutsvene mutangi wechita choMununuri Mutsvene Kwazvo…
Jeradhi Mutsvene akapihwa makomborero anoshamisa kubvira paudiki hwake ….
Jeradhi Mutsvene mushandi akarurama akavimbika …
Jeradhi Mutsvene muenzaniso wechiedza kuvashandi vose …
Jeradhi Mutsvene mudi mukuru werunamato nekushanda … Jeradhi Mutsvene mupfugamiri mukuru wesakaramende tsvene kwazvo reatari …
Jeradhi Mutsvene muenzaniso muupenyu wemununuri akarovererwa paMuchinjikwa …
Jeradhi Mutsvene akazvipira zvikuru kune Mhandara …
Jeradhi Mutsvene chiringiro cheutsvene nokuzviranga …
Jeradhi Mutsvene muenzaniso unoyemurika wokuteera …
Jeradhi Mutsvene akatambudzwa nenyadziswa muchinyararire …
Jeradhi Mutsvene mukuru pamberi paMwari mukuzvidukupisa kukuru …
Jeradhi Mutsvene mungwaru wechokwadi mukuzvirereka somwana muduku …
Jeradhi Mutsvene makavhenekerwa nesimba raMwari muzvimisterio zvouMwari …
Jeradhi Mutsvene wechisuwo chimwechete chekufadza Mwari …
Jeradhi Mutsvene mukurudziri wokupinduka kwavatadzi …
Jeradhi Mutsvene mubatsiri anohungwaru pakusarudza zvoupenyu mukushandira Mwari …
Jeradhi Mutsvene mutungamiri akavhenekwa pakutungamirira zvemweya …
Jeradhi Mutsvene shamwari yakanaka yevarombo nevatamburi … Jeradhi Mutsvene diziro yavanorwara nevakasuruvara … Jeradhi Mutsvene mudziviriri anoshamisa wevana vasina kuombekwa …
Jeradhi Mutsvene murevereri ane nyasha mudambudziko ripi zvaro …
Jeradhi Mutsvene wakasimudzirwa naMwari mukuita zvishamiso zvinkatyamadza …
Jeradhi Mutsvene chishongo nembiri yechita cheMununuri …
Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi … Tidzivirireiwo Tenzi
Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi … Tinzweiwo Tenzi
Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi … Tinzwireiwo tsitsi
Tireverereiwo Jeradhi Mutsvene kuti tikodzere kuwana zvatakapikirwa naKristu
Ngatinamatei
Mwari munaasimbaose makakwevera kwamuri Jeradhi Mutsvene kubvira paudiki hwake, makaita kuti afanane nemwanakomana wenyu akarovererwa paMuchinjikwa, tinokukumbirai kuti tichitevedzera muenzaniso wake tifananewo nemwanakomana wenyu nokuna Kristu Tenzi wedu. Amen.
Munamato woUmai
Jeradhi Mutsvene ane mukurumbira murevereri ane simba kwazvo pamberi paMwari uye mushandi anoshamisa wanhasi. Ndinoya kwamuri ndichikumbira rubatsiro rwenyu. Imi makazadzisa kuda kwaMwari nguva dzose muchiri pasi pano, ndibatsireiwo kuita kuda kwaMwari kutsvene. Ndikumbirireiwo kuvaridzi voupenyu kunobva huBaba hose kuti vandipewo mbereko uye kuti ndigorera vana vanofadza Mwari muupenyu huno vagozovewo vagari venhaka muUmambo hwedenga. Amen.
Munamato Wokudzivirirwa Jeradhi Mutsvene mukuru, muranda mudiwa kwazvo waJesu Kristu, mutevedzeri mutsvene womununuri wenyu munyoro nyakuzvidukupisa, uye mwana akazvipira wamai vaMwari, tungidzaiwo mumoyo mangu kamoto kedenga kemoto werudo uyo wakapfuta mumoyo menyu ukakuita ngirozi yorudo. Jeradhi Mutsvene wembiri nokuti apo makapomerwa mhosva musina mhaka, makatirira saTenzi venyu vokudenga, hamuna kunyunyuta kana kupopota kunhema dzevaipi, Mwari vakakusimudzirai somurevereri nomudziviriri wamadzimai akazvitakura ndidzivirireiwo kunjodzi nemarwadzo makuru anonzwika pakusunuguka. Dziviriraiwo mwana wandakatakura kuti agokwanisa kuona chiedza chezuva uye agowanawo mvura yebhabhatisimo inochenesa nokupa upenyu nokuna Kristu Tenzi wedu. Amen. Kaziwai Maria x 9
Kutenda Kudzivirirwa
Jeradhi Mutsvene wakanaka “Murevereri wamadzimai” ndibatsireiwo mukutenda Mwari nechipo chikuru choumai. Nguva yandakanga ndakazvitakura ndakadzidza kukumbira nokwamuri uye ndakaisa kuchengetedzwa kwemwana wangu nekwangu mukudzivirirwa kwenyu kune simba. Dzidziso yenyu huru yekuvimba naMwari yakandisimbisa; mutsara (motto) wenyu wekuti, “Mwari vachapa”, yakava tarisiro yangu. Nditendereiwo Mwari pamusana pemwana ane utano uye akasvika uyewo utano hwangu hwakanaka. Ndibatsireiwo kukoshesa chipo chikuru ichi choumai uye ndiwanirewo kuna Mwari nyasha dzokurera mwana wangu semwana waMwari. Mukutenda kwangu ndicharamba ndichikumbira nekwamuri uye ndichitaurira vamwe vana amai nezve murevereri wavo neshamwari yakakosha. Amen.
