Mainini vakabikira babamunini datya
Maiguru vaigara nababamudiki, bofu. Zvino rimwe zuva maiguru ava vakabika hove. Pavaida kupakura vakaona kuti hove paizoshota yemunhu mumwe chete. Saka mumoyo mavo vakati rega ndibikire babamunini umwe muriwo. Sezvo vasingaoni, havazozivi kuti vamwe vadya nehove. Vari mushishi kuti vobikirei babamunini, vakaona dafi kwakuriuraya ndokubva vabikira babamunini vavo. Pakupakura mundiro dzevamwe, vakaisa hove asi mundiro yababamunini bofu vakaisa datya.
Babamunini pakudya vakaseva muto wedafi vachibva vakanda mukanwa ndokutsenga nokumedza. ZVinoita sokunge muto wedatya wakabva wanosvinudza maziso avo. Vakakwakuka nemufaro ndokudaidzira, ‘Maiguru ndavakuona.’ Zvikanzi, ‘Maoneiko,’ namaiguru. Babamunini ndokuti ‘Pandangodya muto uyu maziso angu avhurwa. Ndiri kutoona kuti vamwe vari kudya nehove ini ndine dafi. Ah! Maiguru maita basa marapa maziso angu.’
Vadikani paunoitirwa chakaipa ziva kuti chikomborerochaunenge uchipiwa naMwari. Maiguru vakaita chakaipa asi vakaropafadzisa babamunini. Kubanha dafi kuriyambutsa. Saka ndinoti kwamuri ivai nomufaro bedzi kana muchipinda mukuedzwa, muchiziva kuti miedzo iripo kuitira kuti mutsungirire panaShe wedu.
Dzidziso: Miedzo, utsinye, makomborero.
Tamuka anowedzera kukura poto asingawedzere mvura
Tamuka aigara nambuya vake. Yakati yasvika nguva yokubika, iye ndokugadza poto yevanhu vaviri. Isati yamboti yadii, ‘gogogoi,’ pakasvika vaenzi vaviri. Mbuya vakamuti achiisa poto yavanhu vana, akaita saizvozvo. Pasina nguva pakasvika vamwe vanhu vatatu. Mbuya vakarairazve, mwanasikana akagadza poto yavanhu vanomwe.
Hapano sadza raibva, chakashamisa ndechokuti raingokwana vanhu vaviri bedzi. Chii chakanga chaitika? Musikana aingochinja poto chete asi asingawedzeri mvura!
Zvino hoyo mubvunzo kwauri mutendi, nhasi uno. Hausi kungoshandura dzikereke navafundisi uchipedza nyika here asi usiri kuwedzera kunamata kwako? Haisi nyaya yekuchinja poto chete asi zviri mukati mepoto?
Shanduko ngaitangire mumoyo mako!
Dzidzo: kushandisa pfungwa, kushandura unhu, kusandura maitiro.
Hwindi nemwana vanotsvaga nzvimbo yechikoro
Hwindi anoenda pachikoro nemwana wake pachikoro chepadyo kunotsaga nzvimbo yegiredhi yokutanga. Mukuru wechikoro anoti ‘Ndine urombo pakazara.’ Mwana anobva azevezera achiti ‘Dhedhi, vaudzei kuti ndinodzidza ndiri pakadoma.’
Kundiso
Shadhireki, Misheki naAbhedhinigo havana kunamata kuti moto usabatidzwe. Minamato yavo yaisava yokuti dambudziko risauye asi yokuti moto ngaubatidzwe, Mwari vagoonekwa mukati mawo. Ini hangu handinamati kuti ndisasangana namatambudziko muupenyu asi ndinoti ‘Pakuuya kwamatambudziko Tenzi onekwai.’ Dhanyeri haana kuita munamato wokuti shumba dzife kana kuti asakandwe mugomba asi akati Tenzi nemugomba imomo mune shumba simba renyu ngarionekwe.
Vanhu vangakukanda mumakomba, vangakurongera zvakaipa asi tina Tenzi anozviratidza. Vakakukanda ivavo ndivo vachakuburitsa muzita raJesu.
Pauro naSirasi, vasungwa, vari mujeri; havana kuita minamato yokuti majeri aondomoke asi vakangorumbidza Mwari pamwechete nekuimba nziyo.
Hapana dambudziko rine simba rekukuchemedza. Kuti bara riende mberi tiriga inofanira kudhonzerwa shureNyange muupenyu hwako, kuti utonhe nhano nhatu dzekuenda mberi zvinogona kutora nhanho imwehete yokudzokera shure. Kunyange dombo rerekeni kuti riende mberi rinotanga radhonzerwa kumashure. Kubva nhasi ziva kuti chese chichakudhonzera kumashure chinenge chichitokupa simba rekuenda mberi. Hapana chichakuwisira pasi. Uchazanzisa zvinangwa zvako. Uchakunda muupenyu. Uri mukundi. Zvinouya ngazviuye asi Tenzi achakukundisa mazviri zvose muzita raJesu.
Jaya remubhucha nechidhakwa Chidhakwa chakapinda mubhucha ndokuti tanga kutaura nejaya raivemo:
Chidhakwa: Huku imarii mfana?
Jaya: Tinoisa pachikero toona kuti imarii?
Chidhakwa: Ndiisire huku yose.
Jaya rakaenda seri kufiriji ndokuona inga kwasara huku imwechete yakazara. Akaitora ndokusvikoiisa pachikero:
Jaya: Yaita $6 mdhara. Chidhakwa: Yaita diki, tsvaga zihombe pane dzese.
Jaya rakatora huku iya ndokudzokera nayo richinyepedzera kunge ririkunotora yakati kurei. Akadzoka nehuku imwecheteyo ndokuiisa pachikero:
Jaya: Zvaita Mdhara, huku iyi yaita $7,50.
Chidhakwa: Huku dzako idiki mfana. Zvisinei, chindipa dzose dziri mbiri
CHokwadi chichakusunungura!
Dzidziso: chokwadi, nhema, utsotsi, kuvimbika.
Ziva maitiro anodiwa pakafanira
Mwana akatengerwa bhutsu dzakakurisa kuna baba vacho kuti bhutsu ihombe, asi baba vacho vakati, ‘Usazvinetsa, unoisa matishu kana kuti mapepa kumberi.’ MWana akaita saizvozvo zvikashanda. Pava paya mwana akatengera mudhara
wake mapata-pata akakurisa zvikanzi nababa, ‘Hauone here kuti handikwane mapata-pata aya?’ mwana ndokuti, ‘Musazvinetsa baba, munoisa matishu kana kuti mapepa kumberi.’ Dzimwe nguva pane nzira dzatinoshandisa tichibudirira, asi dzigotadza kushanda pane dzimwe nguva nezvimwe zviitiko.
Hadzizi shangu dzese dzinoiswa matishu kana mapepa. Ziva pokutsanya, pamwe panoda kuti uendese girosari kuna baba namai vako. Ziva pokunamata, kumwe kunetsana kunoda kuongorora matauriro aunoita, mapinduriro aunoita mumwe wako. ZIva maitiro okushandisa pakafanira.
Iva noungwaru hwokunzwisisa mhinduro inodiwa. Ziva chipanera chinomononnora bhaudhi rauri kuda kwete kuti chipanera chebhasikoro ndicho chinokumura mabhaudhi epavhiri regonyeti!
