Mufaro
Vazhinji vanopesanisa purezha nomufaro,
Asi pane musiyano mukuru pakati pazvo.
Ukasaziva musiyano wacho,
Unenge usati watanga kurarama.
Vakaraidza mufaro wechokwadi vanonyumwa vakaona purezha,
Nokuti nguva zhinji purezha mucherechedzo worufu rwomufaro.
Mufaro kupinda murudo noupenyu.
Mufaro kubvira nomoto worudo navari kumucheto munzira youpenyu.
Mufaro musanganiswa wokuseka nemisodzi.
Mufaro kugoverana navamwe.
Mufaro kunakidzwa muzvinhu zvidiki tisingangomirira zvikuru.
Mufaro kushandisa zvizere mukana wazvino,
Uchitapirirwa nezviripo.
Mufaro rudo rurikututumira muupenyu.
Asi chinoshamisa ndechekuti mufaro unogarisana nemarwadzo.
Gaya!
Upenyu
Unofanira kuziva kuti upenyu haururami nguva dzose. Hatiwani zvatinoda nguva dzose.
Nyange zvichirwadza, zvaifanira kuitika zvakaitika. Aifanira kutisiya akatisiya.
Chinokurasira kure kazhinji chinokudzosa paunofanira kunge uri.
Budiriro
Kuti uende mberi unofanira kutanga.
Shanduko
Hazvinei kuti uri ani.
Hazvinei kuti wakabvepi.
Hazvinei kuti wakamboitei.
Unogona kuva nani kupinda zvauri.
Mhingidzo
Mhingidzo hadzifanire kukudzivisa.
Ukatarisana nemudhuri, usaramwa.
Tsvaga nzira nzokuenda napamusoro,
Kupinda napamudhuri,
Kana kutenderera.
Kutirira
Usashamisika kana uchisangana namatambudziko.
Kana mhepo ikavhuvhutira pamuti, midzi inotatamuka yosimba.
Iwewo usave ndonda inokurirwa nekamhepo kose kanovhuvhuta.
Simba pamweya utirire.
Rudo haruna kururama.
Rudo harusi ngano harusi nyore.
Rudo kukurira mhingidzo.
Rudo kutarisana namatambudziko.
Rudo kuita chirwirangwe.
Rudo kubatirira usingaregedzi.
Rudo kavara kapfupi kari nyore kuperetera,
Asi rudo kavara kakaoma kutsanangura.
Rudo kanhu kakaoma kurarama usina.
Rudo ibasa rinoshandirwa.
Rudo inguva
Kuita mushandira pamwe awa roga roga,
mineti yoga yoga, sekondi yoga yoga.
Mutungamiri wechokwadi
Mutungamiri wechokwadi,
Ane chitendeseko chokumira oga.
Ane chivindi chokuita zvisungo zvakaoma.
Ane ngoni dzokuteerera zvido zvavamwe.
Haaronge kuva mutungamiri
Asi anova mutungamiri kuburikidza nemhando yezviito zvake
Uye nechiremera chourongwa hwake.
Mutungamiri
Utungamiri,
Kuva nesimba kwete kuvirima
Kupfava kwete kuva mutera
Kuva nechivindi kwete kushusha
Kufunga vamwe kwete kuva nenungo
Kuzvidukupisa, kwete kuva mutyutyu
Kudada kwete kuzvida
Kuva netsetswa kwete kuita upenzi.
Nhetembo yezuva rokuzvarwa
Nhasi izuva rako rokuzvarwa
Naizvozvo zuva ranhasi
Ndinoda kuti uzive
Kuti uri munhu akakoshesa
Akabata nokukurudzira moyo yavakawanda
Kusanganisira ini.
Ndinoda kuti uzive zvekare
Kuti ndinokuyemura zvakadii.
Makorokoto ezuva rokuzvarwa.
Marwadzo
Ukasatana kugumbuka
Ukagodorwa netunhu tuduku
Ukaona kunge uri kunangwa nguva dzose
Uchawedzera marwadzo ako
Uchawedzera kutambura kwako.
Hasha
Kusimba kuziva utera
Kunaka kuziva kushata
Kusatya kuziva zvinotyisa
Kungwara kuziva kukoniwa
Kuda kuziva ruvengo
Kuseka kuziva kusuwa.
Zvaunotadza kuita
Handi zvaunoita,
Asi zvaunosiirira,
Zvinokutemesa musoro
Parinovira zuva.
Izwi nyoro raunokanganwa,
Tsamba yausina kunyora;
Chipo chausina kutumira,
Ndozvipoko zvinokushungurudza mauro.
Mabwe aungadai wasudurutsa
Munzira yomumwe;
Izwi rinovaka
Rawatadza kutaura nokushaya nguva.
Ndozvidhoma zvinokuonesa ndondo uvete.
Kupuruzira mumwe,
Kazwi kanyoro kakapfava;
Zvawashaira nguva kana kusafunga nezvazvo,
Nokuti wanga uine dzako nhamo.
Ndochikopo chinokudzokera urere.
Kurera mwana
Kana mwana akakudzwa nenyadziso
Anodzidza kusweeredza
Kana mwana akakudzwa neruvengo
Anodzidza kurwa
Kana mwana akakudzwa netsverudzo
Anodzidza kuzvipa mhosva.
Kana mwana akakudzwa nekurudziro
Anodzidza vavariro
Kana mwana akakudzwa nerumbidzo
Anodzidza kuvimba nezvaari
Kana mwana akakudzwa neruremekedzo
Anodzidza rukudzo
Kana mwana akakura netsigiro
Anodzidza chiremera
Kana mwana akakura nerusununguko
Anodzidza kuzvimirira
Zuva rokuzvarwa remushandi pamwe
Mashoko angu
Ndeemunhu wandinoziva kuti anoita basa nomazvo
Mazwi angu aya
ndeemunhu wandinoziva kuti anoshanda nesimba
Dama rangu iri
Ndere munhu wandinoziva kuti anounza mufaro pose paari
Mashoko angu aya
Ndeemunhu wandinoziva kuti anokodzera kunzi makorokoto ezuva rokuzvarwa.
Makorokoto ezuva rokuzvarwa.
Kumirira
Ukadzidza kumirira kwenguva ndefu
Uchaona mubairo womwoyo murefu
Uchayemura mubairo wokumirira
Kana nguva yokuturira
Nokuti pane chose chakakosha
Kumirira kwakakosha
Mufaro
Resipi yomufaro:
Iva norupfave
Zvidukupise
Iva namadanha
Nyemwerera
Iva norudo
Shanya pawakwanisa
Usamira kudzidza
Tenda nguva dzose
Zviudze kuti:
Zvose zvichaita
Zvinhu zvichanaka
Wakakosha
Uri ngoda
Unodikika
Ino ndiyo nguva
Asi nguva ichapfuura
Unogona kuva zvaunyatsori
Zviri nani zviri mberi
Wakasimba
unozvigona
Micherechedzo yorugare
Kunakidzwa noupenyu
Uchiziva kuti hunokupa mukana wokuda, kushanda nokutamba.
Kugutsikana nezvauinazvo
Asi usingadekare kusvika wazvishandisa nomazvo.
Kusazvidza zvose zvapasi
Kunze kwezvenhema nenhando.
Kusatya manga-manga
Kunze kwezvinotyisa.
Kutungamirirwa nezvaunoyemura nokuda
Kwete zvaunozvonda.
Kusachiva zvemuvakidzani
Kunze kwerupfave rwake nounyoro hwake.
Kusazvidyamwoyo nezvevavengi vako
Asi kutondera shamwari dzako.
Iyi ndiyo micherechedzo
Yokuti uri mugwara
Munzira yorugare.
Nhaka
Tose tinofa.
Chinangwa hachisi chokurarama narini,
Asi kusiya nhaka inorarama nokusingaperi.
Kushanda nesimba
Kutsvaka budiriro
Usingashande nesimba
Kwakafanana nekuzama kukohwa
usina kudyara.
Kuzvipira
Zvicharwadza
Zvichatora nguva
Zvichada kuzviturira
Zvichada kuzvipira
Pachaita miedzo
Asi paunosvika pachinangwa
Uchaona kuti zvanga zvakakodzera.
Uri zvakakukomberedza
Uri mubhuku aunoverenga
Uri mafirimu aunoona
Uri mimanzi yaunoteerera
Uri vanhu vaunoshamwaridzana navo
Uri zviroto zvaunorota
Uri hurukuro dzaunokurukura
Uri zviitiko zvakakukomberedza
Uri nyika yakakukomberedza
Zvikomberedze noruzivo
Zvikomberedze nezvinopa upenyu
Zvikomberedze nezvinopa chitarisiro
Zvikomberedze nounaku
Upfumi
Upfumi hukuru utano
Mufaro
Muraro ibasa romauri
Simba
Simba harina kunaka kana mwene waro asina unaku.
Zita rakanaka rinopinda upfumi.
Hapana bakatwa ringarivhiya.
Hapana bote ringarisungirira.
Kurongeka
Tanga warongeka, pasaita manyongori.
Kurongeka hakusi kushaya chinongo.
Kurongeka kuita zvinhu nomazvo
Kurongeka kunodzora kubandika nokupararira.
Kurongeka kunosevha nguva nemari
Kurongeka kunonatsurudza mhando youpenyu.
Kufamba pamusoro pedambudziko
Mozisi anorova gungwa dzvuku netsvimbo kuti ayambukire mhiri nevana veIziraeri!
Eriya anorova Jorodhani nehembe yake kuti ayambukire mhiri.
Erisha akaitawo zvimwe chetezvo. Asi Jesu akati KWETE isu tinofamba pamusoro pemvura pacho ipapo.
Mozisi nanaEriya vakapfura napakati pemvura, pakati pemamiriro ezvinhu, pakati pedambudziko asi Jesu akafamba pamusoro pemvura, pamusoro pemamiriro ezvinhu, pamusoro pedambudziko.
Kana uinaIye uchava pamusoro pemamiriro ezvinhu. Tina Jesu anoti kana asvika unofamba pamusoro pematambudziko ako. Mwari haana kubvisa mvura pamberi pevana veIziraeri kana pamberi paErisha naEriya asi akavapfudza nepakati payo. Chero Jesu haana kuda kutambisa simba rake achinamatira kuti mvura ibviswe paaida kufambira asi anoziva kuti anesimba rekufamba pamusoro payo.
Newewo ziva chinhu ichi, usanamatire kuti matambudziko abviswe pamberi pako. Rega vanokufuridzira mamhepo vaite, vanokuvenga vaite zvese nevane godo vaite asi kana wasvika hako uchafamba pamusoro pezvose nekuda kwake Jesu. Hazvinei kuti gungwa rakadzika zvakaita sei asi Jesu akafamba pamusoro pemvura iyoyo. Newewo zvakare uchafamba pamusoro pematambudziko ako zvisinei kuti akakura zvakaita sei.
Gomborero
Jongwe rinogona kuita remusha mumwe chete, asi kana rikakukuridza raini rose rinotozvinzwa kuti ijongwe rekwaningi rakukurudza. Dai Mwari vakuropafadza zvinosvota satani nevake. Mutsindo wegomborero rako ngauite ruzha runosvika munzeve dzevanokuvenga. Vose vanokutarisira pasi vavagoziva kuti wakaropafadzwa. Mwari ngavakusimudze, vakuitire zvakanaka.
Usaore moyo
Nerimwe zuva shiri yakasvika pakubvunza nyuchi kuti, ‘Nhai shamwari zuva nezuva ndinongokuona uri pamaruva uchitora muto wekunogadzira uchi asi vanhu vanongokutorera uchi hwako?. Ko hazvikurwadze here?’Nyuchi ndokupindura ichiti,’Vvanhu chavanogona kutora uchi chete, asi havakwanise kunditorera chipo chekugadzira hugadzira.’
Vanhu kunyange vakatorera nyuchi uchi hwayo, haife yakaregera kugadzira humwe uye haizomboore moyo kusvikira pakugadzira uchi hunoshata. Garai muchiita zvakanaka nguva dzose, musateerera vanoda kuodza moyo nemazano akaipa. Pose pane chakanaka chakaipa hachishaikwe. Ukaita zvakanaka zvinodiwa naMwari, mumwe munhu anotokuudza kuti wave kupenga. Chaanenge achida kuti iwe uore moyo ukundikane. Usaore moyo, ramba uchiita zvakanaka.
Ndimwe nguva kunzvengeswa
Mumwe akasiiwa nebhazi akaridza tsamwa asi akazoriona kumberi rakarara nedivi rauraya vanhu vese.
Mumwe akarambwa nemukomana zvaasina kunzwisisa akavhiringika pfungwa nokushungurudzika akazonzwa kuti mukomana uye ari mujeri akabaya mukadzi wake nebanga akafira ipapo.
Mumwe akatadza kupinda mumba yemafaro akazonzwa kuti yakadonha denga ikatsikirira vanhu vese.
Haisi yese mikana inokupfuura yaunofanira kuchema. Zvimwe zvinhu Mwari anenge achikunzvengesa. Haungazvinzwisise nguva iyoyo asi uchazvinzwisisa gare-gare. Dzidza kuvimba naTenzi. Dzimwe nguva kushaya mukana, kusiiwa pane vamwe, kana kurambwa kudzivirirwa.
