Kunamatira chishamiso naBaba Pita Maria Ruki
Tenzi Jesu, ndinouya pamberi penyu sezvandiri. Ndine urombo, ndakatadza. Ndinopinduka kuzvitadzo zvangu, ndiregereiwo. Nomuzita renyu ndinoregerera vose vakanditadzira. Ndinorasa satani, mweya wakaipa namabasa awo wose. Tenzi Jesu, ndinozvipa kwamuri zvizere zvino nokusingaperi. Jesu ndinokukokai kuti mupinde muupenyu hwangu. Ndinokugamuchirai saTenzi Mwari nomuponesi wangu. Ndirapei, ndishandurei mugondisimbaradza pamuviri napamweya.
Uyai Tenzi Jesu, ndishongedzei neropa renyu rakakosha, mundizadze noMweya Mutsvene wenyu. Ndinokudai Tenzi Jesu, ndinokutendai. Ndichakuteverai mazuva ose oupenyu hwangu. Amen.
Maria amai vangu, hosi yorugare, Peregrini Mutsvene murevereri wevane gomarara, nemi mose vatumwa navatsvene, ndibatsireiwo. Amen.
Ita munamato uyu wakasimudza Muchinjikwa uye uine kutenda. Hazvina mhosva kuti uri kunzwa sei, asi ukasvika pakureva zvaurikutaura nomwoyo wako wose, pane zvakanaka zvichaitika pamweya wako. Uchasangana naJesu, achasandura upenyu hwako nenzira inoshamisa. Uchazviona.
