Munamato waTomasi Akwinasi Mutsvene
Tenzi, tipeiwo mwoyo yakatsiga
isingatsitsirwi namafungiro asina kunaka;
mwoyo yakashinga
isingakurirwi kana kurukutiswa nemuedzo;
mwoyo yakarurama
isinganyengedzwi nezvinhu zvisina maturo.
Tenzi Mwari wedu,
Tipeiwo runzwisiso kuti tikuzivei,
uchenjeri kuti tikutsvagei,
ungwaru kuti tikuwanei,
uye kutendeka kuti tigozoramba takakabatirira pamuri.
