Pane imwe fambidzano yaunotoona kuti ukasanyepera kurwara haufi wakadya zvinonaka.
Hakuna chinhu chinopedza mari yedoro segirosa.
Veduwee, murume haafanire kupererwa nenyaya mumba. Kugadzirira yekunyepa kuri nani. Ukangoti zii ndopaya paunonzi imbondipaiwo phone yenyu.
Mhuri yogayoga ine nhengo yekuti ikapinda mumba yekubikira unonzwa vamwe vaakudaidzera kuti “Ziva kuti vamwe havasati vadya.”
Mwana: Amai kuchikoro zvanzu tiuye nezvinhu zvisingasevenzi.
Amai: Tora baba vako.
Mudzidzisi: Tawands, mwana watete vako unomudaidza uchiti chi?
Tawanda: Nzvenzvana.
Mudzidzisi: Hezvo! Asi unopenga?
Tawanda: Aiwa, mhamha vanoti tete inyoka.
Amwene: Muroora, pano pamba tinomuka na5 kuseni.
Ini: Chero musingaiti ruzha handina dambudziko.
Mudzimai: Handichada nezvako. Mangwana chaiye ndiri kuenda kumba kwedu.
Murume: Handidi munhu anondifadza nenhema.
Chinonzi munyama kuwanikidzwa uchichera mbeva panzvimbo yabva mukubiwa mbambaira. Mhosva yacho hairambike.
Wakambozviita here zvekuti unogona kuita maminitsi 3 wakatarisa mudikani wako wongozviti nechemumoyo apa ndopandakaita dzungu risina basa apa?
