Unomuona nekusvika achitamba nemwana kana kumhoresa imbwa zvaasati amboita kuti uyu auya kuzokwereta.
Kamwana kangu kari kurova mhanza yatezvara vangu kachiti “Dzidza kugerwa zvakanaka!”
Vamwe vanhu so! Hanzi “ndinamatirei ndibate Mari. Ndinoti ndikabata Mari handione kuti inofamba sei.” Ko iwe unofambasei kana wabata Mari?
Nhai pamba paunoroja pakaita rufu unoramba uchidya navo mazuva mangani mushure mekunge chitunha chavigwa?
Zvikanzi vanhu pfekai maT-shirt ane mifananidzo yevadiwa venyu vamwe munopfeka dzakafanana.
Yangu yekunwa doro nebatya rangu iyi! Tese tadhakwa manje, handichaziva kuti ndini upi.
Vamwe vanotoda kucherechedzwa zvakasimba panyaya dzemari. Akapinda ega mutaundi anogona kuuya atenga bango remagetsi. Ukubvunza kuti ndereyi unonzwa achiti ndaona rakachipa.
Inini svomhu kuchikoro ndaidzigona asi chinhu chaizonyanya kundinetsa maanza chete.
Mukoma vangu vauya nemudiwa akashata. Makumbo angu akurwadza nekufamba ndichibuda panze kuno seka.
Nezuro ndakadya muriwo unedovi. Zvino ndakaita ndakaita dambudziko rekurara ndakavhura muromo gonzo rikapinda mudumbu. Ndava nepfungwa mbiri: ndomedza kiti here kana kumwa mushonga wemakonzo?
Pada ndomedza handu chirimbani.
